| ||
|
Script: Zygote rine makumi mana nematanhatu enhengo nhengo idzi ndidzo dzinovamba upenyu hwemunhu ega-ega uyendiyo inonzi "genetic blueprint" yakakwana. Masikirwo emunhu anogara mukati mehata yakamonwa ye ma"molecules" anonzi "DNA". Anochengetedza makuriro Anoita munhu kubva pakuberekwa kusvika muviri wese wakwana. Ma "DNA molecules" akafanana nemanera akamonerera anodaidzwa kuti "double helix". Manera aya anenge aine Ma"molecules" maviri-maviri, kanakuti mabesi anonzi "guanine", "cytosine", "adenine", ne "thymine". Ma"Guanine" anosangana chete ne "cytosine", ne "adenine" ine "thymine". | ||
| All ages referenced to fertilization, not last menstrual period. |